Mark 8

Vanezvuru zvina vanogutswa nekudya naJesu

1Nemazuva iwayo zvakwakange kune chaunga chikuru kwazvo, vasina chavangadya, Jesu akadanira vadzidzi vake kwaari, akati kwavari: 2Ndine tsitsi nechaunga; nokuti chadogara neni mazuva matatu vasina zvavangadya. 3Kana ndikavarega vaende kumba kwavo nenzara, vachaziya panzira; nokuti vamwe vavo vanobva kure. 4Vadzidzi vake vakamupindura, vakati: Zvingabvepi zvingwa munhu zvaangagutsa nazvo ava murenje muno? 5Akavabvunza, akati: Mune zvingwa zvingani? Vakati: Zvinomwe. 6Zvino akaraira chaunga kuti chigare pasi pavhu; akatora zvingwa zvinomwe, akavonga, akazvimedura, ndokupa vadzidzi vake, kuti vaise pamberi pavo; vakazviisa pamberi pechaunga. 7Uye vakange vane hove diki shoma; zvino akadziropafadza, akati vadziisewo pamberi pavo. 8Vakadya, vakaguta; ndokununga zvimedu zvakasara, matengu manomwe. 9Avo vakange vadya vainge vaiva zvuru zvina; akavarega vachienda.

10Pakarepo akapinda muchikepe nevadzidzi vake, akauya kumativi eDharimanuta.

Jesu anoramba kuratidza chiratidzo

11Zvino VaFarisi vakabuda, vakatanga kupikisana naye, vachitsvaka kwaari chiratidzo chinobva kudenga, vachimuidza. 12Akagomera zvikuru pamweya wake akati: Zera iri rinotsvakirei chiratidzo? Zvirokwazvo ndinoti kwamuri: Hakuna chiratidzo chichapiwa kuzera iri. 13Ndokubva avasiya, akapindazve muchikepe, akabva akayambukira kumhiri.

Jesu anodudzira shoko rembiriso yeVaFarisi neVaSadhusi

14Zvino vadzidzi vakange vakanganwa kutora zvingwa; uye vakange vasina navo chinhu muchikepe kunze kwechingwa chimwe chete. 15Zvino akavaraira, achiti: Ngwarirai, muchenjere mbiriso yeVaFarisi nembiriso yaHerodhe. 16Vakarangana pakati pavo vachiti: Nokuti hatina zvingwa. 17Zvino Jesu wakati achizviziva akati kwavari: Munorangana sei kuti hamuna zvingwa? Hamusati maziva, kana kunzwisisa here? Muchine moyo mukukutu here? 18Mune meso hamuoni here? Uye mune nzeve, hamunzwi here? Uye hamurangariri here? 19Pandakamedurira vanezvuru zvishanu zvingwa zvishanu, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Vakati kwaari: Gumi nemaviri. 20Uye pazvinomwe pavanezvuru zvina, matengu mangani azere nezvimedu amakanonga? Ivo ndokuti: Manomwe. 21Ndokubva ati kwavari: Sei musinganzwisisi?

Jesu anosvinudza bofu paBhetisaidha

22Zvino wakasvika kuBhetisaidha; vakauisa bofu kwaari, vakamukumbirisa kuti aribate. 23Akabata ruoko rwebofu, akaribudisira kunze kwemusha; akati apfira meso aro, akaisa maoko pamusoro paro, akaribvunza kana richiona chinhu. 24Ndokutarira kumusoro rikati: Ndinoona vanhu vakaita semiti vachifamba. 25Mushure maizvozvo akaisazve maoko pamusoro pameso aro akaritaridza kumusoro, rikaporeswa, rikaona vese zvakajeka. 26Akariendesa kumba kwaro, achiti: Usapinda mumusha uye usaudza ani nani mumusha.

Petro anopupura kuti Jesu ndiye Kristu

27Zvino Jesu akabuda nevadzidzi vake vakaenda kumisha yeKesariya yeFiripi; vari munzira akabvunza vadzidzi vake achiti kwavari: Vanhu vanoti ndini ani? 28Vakapindura vachiti: Johwani Mubhabhatidzi; asi vamwe: Eria; vamwezve: Umwe wevaporofita. 29Iye akati kwavari: Ko imwi munoti ndini ani? Petro akapindura akati kwaari: Imwi muri Kristu. 30Akavaraira zvikuru kuti varege kuudza munhu pamusoro pake.

31Zvino akatanga kuvadzidzisa kuti Mwanakomana wemunhu anofanira kutambudzika zvinhu zvizhinji nekurambwa nevakuru, nevapristi vakuru, nevanyori, agourawa, uye mushure memazuva matatu amukezve. 32Akataura shoko iro pachena. Zvino Petro akamutorera parutivi, akatanga kumutsiura. 33Asi iye atendeuka, ndokutarira vadzidzi vake, akatsiura Petro achiti: Ibva shure kwangu, Satani; nokuti haurangariri zvinhu zvaMwari, asi zvinhu zvevanhu.

Kutevera Jesu

34Zvino wakati adanira kwaari chaunga pamwe nevadzidzi vake, akati kwavari: Ani nani anoda kuuya shure kwangu, ngaazvirambe, atakure muchinjikwa wake, anditevere. 35Nokuti ani nani anoda kuponesa upenyu hwake, acharasikirwa nahwo, asi ani nani acharasikirwa neupenyu hwake nekuda kwangu nekweevhangeri, uyu achahuponesa. 36Nokuti zvinobatsirei munhu, kana akawana nyika yese akarasikirwa nemweya wake? 37Kana kuti munhu achapei kuti chive muripo wemweya wake? 38Nokuti ani nani anonyara pamusoro pangu nepamashoko angu pazera iri reupombwe nekutadza, Mwanakomana wemhunhu achanyarawo pamusoro pake, paanouya mukubwinya kwaBaba vake ane vatumwa vatsvene.

Copyright information for Shona